COVID-19 muZimbabwe
Chirwere che Covid 19 mu Zimbabwe
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]COVID-19 pandemic in Zimbabwe | |
---|---|
Chirwere | COVID-19 |
Virus strain | SARS-CoV-2 |
Nzvimbo | Zimbabwe |
Kwachikasvikira | Victoria Falls |
Musi wachikasvika | 20 March 2020
(7 months, 3 weeks and 3 days) |
Vakabatwa nechirwere | 8,110 (as of 18 October) |
Vanacho | 206 (as of 18 October) |
Vakapora | 7,673 (as of 18 October) |
Vakafa | 231 (as of 18 October) |
Kusvika kwechirwere che Covid 19 muZimbabwe kwakaitika mumwedzi wa Kurume 2020. Chakasvika muZimbabwe panguva yairura chirwere che Malaria munzvimbo dze Manicaland uyezve neku Masvingo.
Nyangwe zvazvo chirwere cheMalaria chichirapika kushaikwa kwemishonga uyezve kupararira kwechirwere che Covid 19 panguva imwechete kwakakonzeresa kuti zvipatara zvemu Zimbabwe zvikurirwe.
Zvekumashure
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Musiwa wa 12 Ndira 2020, sungano rezve hutano repasi rose rinozivikanwa nekunzi World Health Organisation (WHO), rakaisa chiziviso chekuti chirwere che Corona Virus chaive chaparira chichibva kunyika yeChina kwachikatangira mumwedzi wa Zvita 2019. Sungano iri rakaisa chiziviso chekuti chirwere ichi chaive nehukasha uyezve chaive chirwere chemapapu chaive nesimba nekupararira nekurumidza uyezve chaiuraya zvakanyanya.
Mutangiro Wazvo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kurume 2020[edit source]
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Musiwa wa 21 Kurume, nyika yeZimbabwe yakave nemunhu wekutanga aive abatwa nechirwere che COVID 19. Munhu uyu aive murume aive mugari wemu Victoria Falls aive abva mhiri kwemakungwa kunyika ye UK. Paive pasati pave nemunhu aive afa nechirwere ichi naizvozvo murume uyu akakurudzirwa kugara kumba akazvibvisa pane vamwe kuti asaparadzire chirwere ichi.
Mushure maizvozvo kwakave nevamwe vanhu vaviri vakabatwa zvakare vese vaive vagari vemu Harare. Mumwe wevaviri ava aive mutapa nhau aive nemukurumbira ainzi Zororo Makamba. Ndiye zvakare akave munhu wekutanga kuurayiwa nechirwere ichi.
Mumwedzi wese waKurume, vamwe vanhu vanosvika 8 vakatanga kubatwa nechirwere ichi.
Kubvumbi 2020
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mushure mekufa kwa Zororo, vamwe vanhu vaviri vakashaika zvakare. Nekuda kwekushaikwa kwezvezvipfeko zvekudzivirira chirwere ichi, varapi vemuZimbabwe vakange vopererwa kuti vodzivirira sei chirwere ichi.
Musiwa 13 Kubvumbi, vamwe vanhu vatatu vakabatwa zvakare nechirwere ichi zvinova zvairatidza kuti chirwere chaive chopararira.
Panguva iyoyo vatapi venhau vashanu vakange vasungwa nekuda kwekunyora nezvechirwere che COVID 19
Chivabvu 2020
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Panguva iyi vanhu 144 vakange vabatwa nechirwere cheCovid 19.
Bandwe 2020
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Musiwa 12 Bandwe, bato remutambo we cricket rekuIndia rakakanzura mutambo wavo waifanirwa kutanga muna Chikunguru 2020.
Obadiah Moyo, anova mutungamiri wezvehutano muZimbabwe pamwe nemwana wemutungamiriri wenyika Collins Mnangagwa vakasungirwa huori hwemari inosvika 4 mirioni yavanofungidzirwa kunzi vakaba.
Mumwedzi wa Bandwe vamwe mazana (413) evanhu vakatanga zvakare kubatwa nechirwere ichi. Vanhu vange vaurayiwa nechirwere panguva iyi vakange vawanda zvekusvika 7.
Chikumi 2020
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mapurisa vakange⁸ vasunga vanhu vanosvika 105 000 vakange vatyora mutemo nekusapfeka zvekuzvidzivirira zvakakwana kubva kuchirwere cheCorona.
Musiwa 21 Chikumi, kwakashevedzerwa nguva yaibvumirwa vanhu kufamba famba kubva na 8 makuseni kusvika 3 masikati. Izvi zvaitirwa kuti vakwanise kutapudza kupararira kwechirwere muvanhu.
Pakunopera kwemwedzi wa Chikumi kwakange leave nevanhu 2098 vaive vava nechirwere ichi.