Muvara
Muvara (kureva colour) kana ruvara zvinodudza kudaira kweziso richipirikira mhando dzechiedza apo richinge ragamuchira chiedza chine ndefusai hwakasiyana. Chiedza, chidimbu chenangazira regetsimagineti (electromagnetic spectrum). Chiedza chinowanikwa chiine mhando dzeruvara ese anozivikanwa. Kuwonekwa kunoitwa mavara neziso kunoitika apo chiedza chinowira pachinhu chingava chipfeko kana chii. Ngatimboti chiedza chawira pachiro chitsvuku. Chinoita kuti ziso rizowona ruvara rutsvuku urwu ndechekuti, dzimwe mhando dzemuvara dzinonwira pachipfeko ichi asi chipfeko chinohwitudza ruvara rutsvuku. Nokudaro ziso rinowona ruvara rutsvuku chete.
Zvakanaka kuwonesana kuti chiedza chine hunyambiri; chingawonekwa sesebhe uye chingawonekwa semasaisai.
Sainzi yemavara dzimwe nguva inonzi marhangi (chromatics), pimaruvara (colormetry), kana kungonzi sainzi yemavara. Inosanganisira kufunda kwekuonekwa kwemavara neziso remunhu uye huropi, mabviro erudzi muzvinhu, gorokodzwa ye ruvara muuseza, uye fundoyetsimba yeunye wegetsimagineti (electromagnetic radiation) munzvimbo inoonekwa (ndiko kuti, izvo zvinowanzo kunzi sechiedza chete).[1]
Tsananguro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Nangazira yemavara.
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Unye we Getsimagineti inoratidzirwa ne ndefusai (kana rudido) uye kusimba kwayo. Kana ndefusai riri mukati mechiono chinoonekwa (huwandu hwe ndefusai hwunogona kuonekwa ne vanhu, unogona kubva pa390 nm kusvika 700 nm), inozivikanwa se "chiedza chinooneka".
Ruvara | inthavhoro ye ndefusai | indavhoro ye rudido | |
---|---|---|---|
Tsvuku | ~ 700–635 nm | ~ 430–480 THz | |
Ranjisi | ~ 635–590 nm | ~ 480–510 THz | |
Huroro | ~ 590–560 nm | ~ 510–540 THz | |
Zerere | ~ 560–520 nm | ~ 540–580 THz | |
Sieni | ~ 520–490 nm | ~ 580–610 THz | |
Ungu | ~ 490–450 nm | ~ 610–670 THz | |
Fuvana | ~ 450–400 nm | ~ 670–750 THz |
Mutsika dzevanhu.
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mutsika dzevanhu venyika dzakasiyana siyana mavara anezvirevo, uye mamiriro akasiyana[2]. Izvi zvinoonekwa mushandosirwo emavara mumanyika, muenzaniso uri wekuti munyika yedu ye Zimbabwe ruvara rutsvuku runoonekwa seruvara reropa neupenyu nerevaya vakashaya. Kunyanya ropa revaya vakafa (vakashaya) munguva yehondo dzeChimurenga.[3][4]
Mavara ekutanga.
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Tsvuku, Huroro ne Ungu ndivo mavara anonzi mavara ekutanga. Mavara ekutanga maseti emavara chaiwo kana chiedza chemavara anogona kusanganiswa muhuwandu hwakasiyana kuti abudise (kana kuti asikiswe) mamwe mavara.[5] Nekuda kwekusanganisa mavara maviri akasiyana kana anopfuura maviri, tinokwanisa kusika mavara matsva. Semuenzaniso, kusanganisa tsvuku nechena zvinogadzira kiwani, uye huroro netsvuku inogadzira ranjisi.
Bvute ye ruvara
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Bvute[6] izwi rinoreva kuti shade, uye mabvute pahuwandu.
Marudzi emavara
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mabvute e tsvuku | Mabvute e tema | Mabvute e jena | Mabvute e pfumbu | Mabvute e ungu | Mabvute e huroro | Mabvute eRanjisi | Mabvute eZerere | Mabvute eKiwani | Mabvute esieni | Mabvute eMbise | Mabvute eHute
Mavara matema
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Ruvara tema ndiro ruvara runowanikwa panoshayikwa kana pasina kukwana kwakazara kwe chiedza chinooneka. Asi mavara matema akati siyanei neruvara tema nekuti anechiedza chinoonekwa, asi chiedza chachona chirimbijana.
Ruvara/bvute | Enzano | Khodhi | Chingezi | vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Ntema | #000100 | vantablack; blackest black | ||
Tematema | #0A0A0A | Jet black | ||
Tema | #000000 | Black | ||
onishi | #030104 | onyx black | muchitsonga x ndi sh; shona hayina x. | |
rdzvipu | #020403 | obsidian black | ||
vunzvi | #483C41 | Pitch black | ||
dema | #555D50 | ebony black | ||
rasha | #28231D | charcoal black |
Mhando dze mivara tema.
-
Ingwe
Mavara eUngu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara maUngu ruvara rutema.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[7] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Dhimba | #000080 | Navy; Dark blue | seshiri yacho[8] | |
#120A8F | Ultramarine; 'beyond sea' | |||
Safira, Safiri | #0F52BA | Sapphire blue | ||
Ndyigo, Ndhligo | #3F00FF | Indigo | ||
Getsi-ungu | #3137FD | Electric blue | [9] kana futi getswungu | |
Ungu | #0000FF | Blue | ||
Yazuru | #007FFF | azure | kureva yeuzuru | |
Hwasi, Vasi | #87CEEB | Sky blue | wasi - sokutodza Chitsonga | |
Ungwana | #ADD8E6 | light blue | ||
Fifu[10] | grey-blue | |||
Sieni | #00FFFF | Cyan | ||
Terukosi | #40E0D0 | Turqoise | ||
Tilo | #008080 | Teal |
Mhando dzeruvara rweungu.
-
Mavara eUngu
-
Mavara eUngu yakajeka
-
Mavara eUngu yakapfava
-
Ruvara rwesafira.
-
Hove yeruvara rwe Getsi-ungu
Mavara maZerere
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana mumarhangi ehyu (hue chroma) zvichireva masimbiro kana kuzara kwe chiedza zve, kana kupenya kwe zvinhu zviviri kana zvitatu.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[11] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Zerere | #008000 | Green | ||
Emurodhi | #00573D | Emerald green | ||
#00A86B | Jade green | yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][12] | ||
Puwa | #DFFF00 | Chartreuse | ||
Orivhi | #98BF64 | Olive green | ||
Pfumvudza | #4F7942 | fern/muddy-green | ||
seji | #B2AC88 | sage green | ||
zererena | #90EE90 | light green |
Mhando dzeruvara rwezerere.
-
Mavara ezerere
-
Mavara ezerere
-
Mavara eyeruva
-
Mashizha eruvara rweyedenga
-
Miti dzezerere
Mavara maHuroro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara ehuroro mavara machena muChishona nekuti mavara akajeka.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi |
---|---|---|---|
Huroro | #FFFF00 | Yellow[13] | |
Ndarama, Goridhe | #FFD700 | Gold | |
Ruraza[8] | #FFFFBF | pale/cream yellow | |
Tomborwiyo | #FFEFF00 | canary yellow | |
Ruhlare, Rushare[8] | #FEDB79 | flaxen/blondeyellow | |
Hxaridhari | #E1AD01 | mustard (yellow) mavambo Chihebheru/Chiarabhu -> hardal; khardal | |
Raranjiro | #FFBF00 | amber | |
Puwa | #DFFF00 | chartreuse/greenish-yellow[14] | |
Ibvebve | #FFFF00 | bright yellow[15] |
Mhando dzeruvara rwehuroro.
-
Mavara ehuroro
-
Mavara ehuroro
-
Mavara eyeruva
-
Ruva rehuroro
-
Rozi rehuroro
Mavara maMbise
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara mambise anovanzo onekwa pavanhu vaneganda tema.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Mbise | #422A14 | Brown | ||
Tsvichiri | #2A0001 | Mahogany | senge mahogany tree, 'muchichiri'[16] | |
Chokoreti | #7B3F00 | Chocolate | ||
Kofi | #6F4E37 | Coffee | ||
#C68E17 | golden-brown | |||
Ndarira | #CD7F32 | Bronze | ||
Svundu | reddish-brown | |||
Mbisana | #C4A484 | light brown | mbise chena (-na) | |
Vunde | #D2B48C | tan | bvunde (sorghum) | |
Mdhaka | #F5F5DC | beige | ||
Khakhi | #C3B091 | khaki | ||
Sepiya | #704214 | sepia |
Ruvara Mbise.
-
Makanduru reruvara mbise
-
Shavishavi reruvara mbise
-
Munhu ane ganda mbise, shava (precisely, due to red undertones)
-
Munhu ane ganda mbise
Mavara maRanjisi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Shoko rekuti Ranjisi raisavapo muChishona nekuti vanhu vaidana zvese mavara tsvuku nemarinjisi kuti tsvuku (dzvuku) nekuda kwekuti akati fananei, uye anovanikwa panguva imwechete.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu |
---|---|---|---|
Ranjisi | #FFA500 | Orange | |
Nachisi | #F28500 | Tangerine | |
Raranjiro | #FFBF00 | Amber |
Zvisikwa zvineruvara rweranjisi.
-
Mavara eranjisi
-
Masipaisi eranjisi
-
Shizha reranjisi
-
Ruva reranjisi
-
Ruvara rwedenga panguva yekuvira kwezuva.
Mavara maTsvuku
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara matsvuku mavara akutsvukira seropa.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
Vomvu[8] | #FF2400 | Scarlet | sokutodza mhodzi tsvuku | |
Tsvuku | #FF0000 | Red | kana dzvuku, bzvuku | |
Shava, Java | #800000 | Maroon | ||
#990000 | Crimson | |||
Rhanje | #E34234 | Vermilion | Ruvara ruri pakati petsvuku neranjisi/raranji | |
Rhubhi | #E0115F | Ruby | ||
#A52A2A | Auburn[17] | inosanganisa mbise ne tsvuku | ||
Wayini, mbiringa | #722F37 | Wine red; merlot | wine or vinous (vine); (za)mbiringa[18] | |
#800020 | Burgundy[19] | tsvuku yakasvibira | ||
Tsvichiri | #C04000 | mahogany | senge mahogany tree, 'muchichiri'[16] | |
Sheri | #DE3163 | cerise/cherry | ||
Svundu | #A81C07 | rufous, red-brown | izwi rinobva kuruvara runotaurwa neMakaranga[20] |
Zvinhu zvineruvara tsvuku.
-
Mavara matsvuku
-
Ruva tsvuku
-
Ruva remoto (flamelily), Ruva renyika yeZimbabwe
-
Rozi tsvuku
Mavara maKiwani
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara maKiwani anogadzirwa nekusanganisa ruvara tsvuku neruvara chena.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu |
---|---|---|---|
Kiwani | #FC0FC0 | Pink | |
Svcwani | #FF69B4 | Hot pink | |
Sheri | #DE3163 | Cerise/cherry | |
Varidha | #F59FB7 | Rose |
Zvinhu zvineruvara rwetsvukuchena.
-
Mavara rekiwani
-
ruva rekiwani
-
Denga rekiwani
-
Arowana reruvara rwekiwani
-
Chuma chekiwani (pink beads)
Mavara maHute
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara mahute mavara matsvuki nekuti aripadhuze nekiwani netsvuku, uye mavara anogadzirwa nekusanganisa mavara maUngu nematsvuku.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Chirevo/vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Hute | #A32CC4 | Purple | ||
Mahentha | #A1045A | Magenta | tsvuku ne hute | |
Fuvana | #710193 | Violet | kubva kuzita re violet trees mufufu, mupfuvavana[21][22]
Chipvufanana; Mufufu; Munyapunyapu; Munyazvirombo; Mutangeni | |
Farata | #E39FF6 | Lavender | kubva kuzita re lavender croton
Gunukira; Mubangwa; Mufandemengwe; Mufarata[23] | |
Bhoni | #9867C5 | Iris | iris reziso rinonzi bhoni/mboni [24]
yakapihwa zita nekuda kwe pattern ye ruva ne ziso | |
Gatawa[8] | #B65FCF | Lilac | zita uye ruvara rwe maruva e persian lilac tree, Musiringa[25] | |
Punje | #9966CC | Amethyst | dzinde rine maruva anowanikwa mu purple, amethyst ne lavender, [26]
kamupunje; mujumba; mushari |
Mabvute eHute
ruvara/bvute | enzano | khodhi | chingezi | chirevo chezita |
---|---|---|---|---|
Jumba | #DA70D6 | orchid; "amythest orchid" | mhando ye ruvara rwe amethyst,
Tarisai pamusoro mu "chirevo/vambo rezita" | |
Shari | amethyst futi | |||
Nukira | #E0B0FF | mauve | lavender, tarisai pamusoro futi | |
Ndemengwe; mengwe | lavender futi |
Zvinhu zvineruvara hute.
-
Mavara eVhiore
-
Maruva ehute
-
denga reruvara rwehute hute
-
Ruvara hute
-
Ruvara rwe-iris.
Mavara maPfumbu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Tarisai futi peji re Mavara ePfumbu
Ruvara pfumbu runowanzo onekwa panguva yekunaya makore paanoshanduka kuita pfumbu.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
Pfumbu | #808080 | Grey | kana pfupfu | |
Pfupfuma | #A9A9A9 | Dark grey | ||
Darejena | #C0C0C0 | Silver | kana sirivha | |
Fifu | #6699CC | Grey blue | ||
Rasha | #36454F | Charcoal |
Zvinhu zveruvara pfumbu.
-
Mavara mapfumbu
-
Mufananidzo rweruvara pfumbu
-
Dega panguva yekunaya
-
makore mapfumbu
Mavara Machena
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara machena ndiwo mavara ane chiedza chinokwanisa kuoneka, uye mavara akajeka. Mavara ese anosanganiswa neruvara chena anoreuruka kudarika vara rwavo rekutanga.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
Chena | #FFFFFF | White | kana jena | |
Rwomba | #FFFDD0 | Cream | zvimwe sa ruomba |
Mhuka chena.
-
Swani
-
Njiva
-
Mhumhi
-
Pikoko
Udorongodzwa hwe mivara
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
Tematema | #0A0A0A | Jet black | ||
Tema | #000000 | Black | ||
Vunzvi | #483C41 | Pitch black | Rinobva kumashoko ekuti: Nhema neTema. | |
Pfumbu | #808080 | Grey | ||
Rasha | #36454F | Charcoal | Rinoreva kuti charcoal kana coal muChirungu. | |
Fifu | #6699CC | Grey blue | Rinosikwa nekubatanidza mavara maviri pfumbu ne ungu. | |
Darejena | #C0C0C0 | Silver | Rakabva kushoko reChirungu rekuti silver | |
Mbise | #422A14 | Brown | ||
Mahogeni | #2A0001 | Mahogany | Ruvara ruri brownish-red | |
Chokoreti | #7B3F00 | Chocolate | Rakabva kuChirungu chocolate | |
Kofi | #6F4E37 | Coffee | Rinobva kushoko reChirungu coffee | |
? | #C68E17 | Caramel, golden-brown | ||
Mbisana | #B5651D | Light brown | ||
Ndarira | #CD7F32 | Bronze | ||
Mdhaka | beige | kana dhakadhaka | ||
Svundu | reddish-brown, rufous | |||
Vomvu | #FF2400 | Scarlet red | Richireva ruvara tsvuku rakajekesa | |
Tsvuku | #FF0000 | Red | ||
Shava | #800000 | Maroon | ||
? | #990000 | Crimson | ||
Rhanje | #E34234 | Vermillion | Rhanje rinobva pakutiRanjisi, ndewe chitsvuku-ranjisi. | |
Rhubhi | #E0115F | Ruby | kubva paChingezi | |
Mahentha | #A1045A | Magenta | kubva paChingezi | |
Gatawa | #B65FCF | Lilac | kubva pashiri Gatahwa[8] | |
Farata | #E39FF6 | Lavender | kubva pamuti wacho | |
Bhoni | #9867C5 | Iris | senge bhoni reziso | |
Hute | #A32CC4 | Purple | senge muhute, muti wacho. | |
Fuvana | #710193 | Violet | kubva paruva reChishona | |
Punje | #9966CC | Amethyst | kubva pamuti unemaruva eruvara rwacho | |
Dhimba | #000080 | Navy | senge shiri - dhimba | |
? | #120A8F | Ultramarine | ||
Ungu | #0000FF | Blue | ||
Getsi-ungu | #3137FD | Electric blue | Hapasati paane shoko | |
Ndyigo | #3F00FF | Indigo | kubva paChingezi | |
Safira | #0F52BA | Sapphire | kana safiri, safire | |
Yazuru | #87CEEB | Sky blue | kubva pa uzuru | |
Sieni | #00FFFF | Cyan | kubva paChingezi - cyan | |
Terukosi | #40E0D0 | Turqoise | Ishoko rinobva futi kuChirungu Turqoise | |
Tilo | #008080 | Teal | Rinobva kuChirungu teal | |
Zerere | #008000 | Green | ||
? | #00573D | Emerald green | Rinobva kuChirungu emerald | |
Pfumvudza | senge muti | |||
Zererenye | Light-green | |||
Puwa | #DFFF00 | Chartreuse | Ishoko rinoreva kuti "of the flower", richireva ruvara
rwe yellow-green kana chartreuse | |
Huroro | #FFFF00 | Yellow | ||
Ruraza | #FFFCBB | Creamy-yellow | [8] | |
Shora | straw-yellow | |||
Ruhlare | blonde/flaxen | kana rushare[8] | ||
Ndarama | #FFFD700 | Gold | kana goridhe | |
Raranjiro | #FFBF00 | Amber | Rinoreva ruvara ruri huroro neranjisi (shining yellow orange) | |
Ranjisi | #FFA500 | Orange | ||
Nachisi | #F28500 | Tangerine | ||
Sheri | #DE3163 | Cerise | Rinobva kushoko reChirungu cerise | |
Svcwani | #FF69B4 | Hot pink | svikiwani - tichitodza Chingova, Chikaranga. | |
Kiwani | #FC0FC0 | Pink | Rinobva kuChuma chekiwani (pink / rose coloured beads) | |
Varhi | #F59FB7 | Rose | Rinobva kuChirungu rose | |
Rwomba | #FFFDD0 | Cream | ||
Chena | #FFFFFF | White | kana futi - jena |
Mavara echinyakare
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Muchiverenga zivai kuti munguva yechinyakare Vatorwa vasati vasvika kuUmambo hweMashona kuti vatengeranise machira, ndarama madhayamondi nezvimwe.[27] Uye mavara ekutanga aionekwa muzvisikwa zvakaita se:
- Miti
- Pasi
- Denga
- Mvura
- Mhuka
- Vanhu (ganda, vhudzi, mazino, ropa, mukati memaoko kana pasi petsoka).
Mamwe mavara aionekwa mudenga muchimiro cheMuraraungu, kana ruvara rwedenga panguva yekuvira kwezuva.
Pakazotanga kutsinhanakana kugovanisana kweMashona neVatorwa machira nezvishongo ndopakazouuya mavara mamwe akasiyana siyana. Kugovanisana kwatanga munguva yeMapungubwe ikaenderera munguva yeHukuru hweDzimbadzamambwe (Great Zimbabwe), ikabva yawanda munguva yeHumambo hwaMutapa (Mutapa empire).
Machira emavara akasiyna
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Machira ane mavara akasiyana.
-
Sirika (silk)
-
Machira emavara akasiyana
-
madhizaini ane mavara akanaka.
Zvinhu zvakawanikwa pamatongo eGZ[28]
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Muenzano wechinese ceramic yakawanikwa pamatongo eGreat Zimbabwe
-
Imwe ceramic example.
-
Ceramic bowl.
-
Old drawing of Arabic glass, an example of artifacts documented to have been found at the sight of Great Zimbabwe ruins.
-
Persian faiences (colourless)
-
Example of shells (also documented to have been popular in Great Zimbabwe) particularly those of the spiral pattern (Ndoro)
-
Chinese jade teapot (also documented to have been found at the sight of Great Zimbabwe among other things).
Zvakadaro, mavara akawanda nezvinhu zvakawanda zveChishona zvinitumidzwa nekuda kwechirevo kanachifananidzo chechinhu chacho. Enzano; Ranjisi ne hute ese mavara ari maviri akatumidzwa kuteera michero ane mavara aida kudanwa. Asi, rangarirai kuti mamwe mazita ezvinhu akabva kuChirungu nekuda kwekuti akanga asimo muChishona, kana nekuda kwekuti vanhu vakatanga kudzikisira mutauro wavo wachikudza Chirungu uyezvo mashoko akarasika. Enzano; Vhiore kana Rubhi mashoko akatorwa kuChirungu.
Mamwe mashoko asimo muChishona anotorwa kumimwe mitauro yechiBantu, kunyanya chiNdebele nemimwe mitauro iri muZimbabwe. Enzano; Goridhe (Ndarama) ishoko rakabva kumutauro wechiNguni.
Mavara edenga.
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]-
Makore pakuvira kwezuva. Tsvuku ne ranjisi.
-
Denga pakuvira kwezuva. Ruvara ranjisi, huroro neshora.
-
Ruvara Shora mudenga pakuvira kwezuva.
-
Ruvara rwehuroro, shora neranjisi.
-
Ruvara kiwani, hute, vhiore.
-
Ruvara hute, vhiore neindigo
-
Ruvara rwedenga
-
Ruvara rwedenga nemakore
Matumidzo emavara
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Udorongodzwa
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Shava, (deep reddish-brown)
- java, mushava (light brown). Domboshava, javavhu, javangwe, gadzijava.
- Tema, dema, nhema, svipa, svipu, sviba kana dzvipa (Black)
- Hute (Purple)
- Tsvubvu (black-purple fruit)
- Nundu (Maroon)
- Nachisi (deep orange coloured fruit, a tangerine)
- Chuma cheKiwani (pink/rose coloured beads).
- Shora, Mbise (amber, brown).
- Hutsaratsa (check).
- Mbarakate (Small patch of colour on an animal or object).
- Gungwa (ocean, sea, a deep blue coloured body of water)
- Denga (light blue coloured atmosphere)
- Rangi (chrome; chroma; colour, sky, shade, purple, blue, first)
Mamwe mashoko
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Deko renzviru (Dark brown (lit: shell of fruit of Wild Medlar). Ano utema hwedeko renzviru: he is dark brown in colour.
- Chisambi (Red check pattern).
- Manjenjenje Brilliance (loudness) of colours; 2. Bright flames).
Mashoko aya anotaurwa kuKalanga:
- Panguka (become discolored; fade as of a flower or some color).
- Pangula (cause to become discolored).
Mavara muChiBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mimwe mitauro yeZimbabwe
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chindevere | IsiNdebele
MuChindevere shoko rekuti muvara kana ruvara rinonzi umbala. Zvinozivikwa kuti muvara kana ruvara muChishona zvinoreva ruvara rimwe asi kana awanda anonzi mavara. MuChindebele mavara anonzi imibala.
Mazita e mavara muChindebele anodeedzwa sezvakanyorwa pazasi.
- Mnyama = Nhema
- Mhlophe = Chena
- Nsundu / Umdaka = Mbise
- Kubomvu = Tsvuku
- Lithanga = Huroro
- Kuluhlaza = Zerere (inogona kuva Ungu futi)
- Khaki = Kaki
- Lithuli / Okuintwala / Okuyimpunga = grey
- Okiyisibhakabhaka = Radenga / Deungu (sky blue)
- Okulizulu (Bulu) = Ungu (Bhuruu) [29]
Chivhenda | Tshivenda
Chivhenda, mumwe mutauro unotaurwa muNyika yeZimbabwe. MuChivenda shoko rekuti muvara rinonzi muvhala. Mazita e mavara muChivenda akanyorwa pazasi.
- Mutswu = Black
- Mutshena = Chena
- Museṱha = Pfumbu
- Lutombo = Ungu
- Mudala = Zerere
- Ṱaḓa = Huroro
- Swiri = Ranjisi
- Mutswuku = tsvuku
- Meruni = Nundu
- Buraweni = Mbise
- Pinki = Kiwani [30]
Chitswana | Setswana
Chitswana kana Setswana mumwe mutauro pa mitauro 16 inotaurwa muNyika yeZimbabwe. Shoko rekuti mavara muChitswana rinonzi Mabala. Mazita e mavara muChitswana akanyorwa pazasi.
- Bontsho = Nhema
- Bosweu = chena
- Botuba = pfumbu
- Bothokwa/ Borokwa= mbise
- Botala jwa loapi = Ungu
- Seloale / Phepole = Hute
- Bohibitswana / Pinki = Kiwani
- Bohibidu = tsvuku
- Namuni = Ranjisi
- Lephutsi/ Bosetlha / Serolwana = Huroro
- Botala jwa matlhare = Zerere
Chixhosa | IsiXhosa
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mavara muChixhosa anonzi Imibala.
- Mnyama = nhema
- Mhlophe = chena
- Bomvu = tsvuku
- Lubhelu / mthubi = huroror
- Luhlaza = ungu, zerere
- Ntsundu = mbise
- Bomvana / Pinki = Kiwani
- Orenji = Ranjisi
- Ngwevu = Pfumbu
- Mfusa = Hute
- Tyheli = Shora
- Bomvu-gwanqa = Java (auburn; kwete shava (mahoganny))
- Nocwambu = Jenero
- Ngqombela = ? (Chirungu: Crimson)
Chitonga | ChiTonga
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chitonga semimwe 16 mituaro inotaurwa muNyika yeZimbabwe. Mavara muChitonga zvinoreva kuti musyobo.
- Tete / Nyanzabili = zerere
- Mukuba = Ranjisi
- Uusiya = nhema
- Uusalala = tsvuku
- Uutaba = chena
Chitsonga | Xitsonga
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Muhlovo ishoko remaTsonga rekudeedza iro shoko rinozivikwa neMashona se muvara.
- Basa = chena
- Nkuma = pfumbu
- Ntima = nhema
- Ribungwa = mbise
- Rihlaza = Zerere
- Tshwuka = tsvuku
- Wasi = Ungu
- Xitshopana = huroro [31]
Chichewa | Nyanya
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mu Chichewa shoko rekuti Mitundi zvinoreva kuti Mavara.
- Kuda = Black
- Yera = chena
- Wofiira = tsvuku
- Kamtambo = ungu
- Chikasu = huroro
- Abiriwiri = zerere
- Ndimwi = ranjisi
Mimwe Mitauro yeChiBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mitauro ye dzimwe nyika
- Nyungwe vanoti mtundu (colour) kureva ruvara. Mamwe mazwi: -svipirira (n. green) kureva kusvipirira.
- VaNgala neVaBwisi vanoti langi kana ba langi pakuwanda (colour).
- VaYao vanoti lusamba (green coloured).
- VaLomwe vanoti ekore (n. colour).
- Chewa vanoti lunga (purple).
- VaMambwe vanoti cifungo (violet-coloured).
- Fwe vanoti mu-bara (colour, spot, stripe).
- Takwane vanoti musawo (n. colour) kureva muvara.
- VaZigula vanoti rangi kana marangi (1. colour, 2. paint, 3. coloured inks).
- Zigula vanoti nili (n. blue).
- VaTonga vanoti tete kana nyanzabili (v. green) kureva zerere.
- Venda vanoti vhudala (n. green).
- Lozi vanoti butala kana tala (n. greenness. green colour).
- VaGwere vanoti kitaka (dark brown colour).
Mabviro eruzivo:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ enwiki: colour
- ↑ Gary Westfahl (2005). The Greenwood Encyclopedia of Science Fiction and Fantasy: Themes, Works, and Wonders. Greenwood Publishing Group. pp. 142–143. ISBN 978-0-313-32951-7.
- ↑ Di Piazza, Francesca (2005). Zimbabwe in Pictures. Twenty-First Century Books. pp. 69–. ISBN 9780822523994.
- ↑ enwiki: Colours and symbolisms Flag of Zimbabwe
- ↑ Bruce MacEvoy. "Do 'Primary' Colors Exist?" (imaginary or imperfect primaries section Archived 2008-07-17 at the Wayback Machine). Handprint. Accessed 10 August 2007.
- ↑ Vashona, 8 Gumiguru 2019, "shades"
- ↑ enwiki: Shades of blue
- ↑ 8.0 8.1 8.2 8.3 8.4 8.5 8.6 8.7 Twitter, "SRavengai status"
- ↑ enwiki: 1.2 Iridescent electric blue Electric blue (colour)
- ↑ 'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Peji 31. Yakatariswa: 24 Chikumi 2021
- ↑ enwiki: Shades of green
- ↑ enwiki: Jade
- ↑ Vashona, Chikumi 17 2017, "Huroro" Yakatariswa: 2020-2021
- ↑ Vashona, Chikumi 17 2017, "puwa" Yakatariswa: 2020-2021
- ↑ shona twitter
- ↑ 16.0 16.1 Vashona, 23 Ndira 2019, "muchichiri" Yakatariswa: Chikunguru 2021
- ↑ enwikitionary "auburn"
- ↑ Vashona, 5 Kukadzi 2020, "Muzambiringa" Yakatariswa: Chikumi 2021
- ↑ etymonline.com, "burgundy (n.)" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021
- ↑ shona twitter
- ↑ Vashona, 24 Ndira 2019, "mufufu" Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Zimbabweflora, Securidaca longepedunculata Fresen. Violet trees. Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ l"Lavender croton" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Vashona, 11 Gumiguru 2019, "iris" Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Vashona, 30 Chikunguru 2015,hPersian lilac tree" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021ttps://vashona.com/en/dictionary/en/Persian%20lilac%20tree
- ↑ Vashona, 27 Mbudzi 2019, hkamupunje"ttps://vashona.com/en/dictionary/sn/kamupunje Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Ann Hills, 8 August 1988, Great Zimbabwe trading history
- ↑ Chirikure S., Moultrie T., Bandama F., Dandara C. & Manyaga M., June 2017, What was the population of Great Zimbabwe (CE1000-1800)?
- ↑ Davies, Ian & Davies, Christine & Corbett, Greville. (1994). 'The basic colour terms of Ndebele'Journal of African Journal Cultural Studies. 7. 36-48. 10.1080/09544169408717774.
- ↑ smlwardafterall, n.d., 'Colours',Intro to Tshivenda, Memrise Level 11
- ↑ Xitsonga.org, d.a, 'colours',dictionary.